Hurumende Ichishanda neWHO Yopa Vanhu vekuManicaland Mushonga weKudzivirira Cholera

  • Blessing Zulu

Hurumende, nevemasangano ekunze kusanganisa United Nations, iri kusimbaradza zvirongwa zvehutano kuti zvirwere zvakaita semalaria necholera zvisapararire kuChimanimani neChipinge kwakawirwa nedambudziko recyclone Idai.

Cyclone Idai yakauraya vanhu, kuparadza dzimba uye kupwanya zvinhu zvakaita semadhamu, zvibhorani nezvimwe. KuMozambique kune vanhu vakatobatwa nechirewre checholera mushure medutumupengo iri.

Hurumende ichishanda neWorld Health Organisation kana kuti WHO iri kupa vanhu mushonga wekunwa kudziviira cholera uye inoti ichaparura chimwe chirongwa chechipiri kubatsira vanhu kudzivirira cholera.

Dr Maxwell Rupfutse vanoshanda neWHO vari kukurudzira vanhu kuti vatambire mushonga wavari kupihwa kuti vasatapurirwe chirwere checholera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Maxwell Rupfutse

Vanhu vanosvika zviuru mazana mashanu vari kutarisirwa kupihwa mushonga uyu kuManicaland.