Hurongwa hwaVaMthuli Ncube neIMF Hwokonzera Gakava Munyika

  • Blessing Zulu

VaMthuli Ncube naVaEmmerson Mnangagwa

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika dzinoti hurongwa hwekuwandudza hupfumi huri kuitwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, huchitsigirwa neInternational Monetary Fund, IMF, ndihwo hwopa kuti vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Asi vamwe vanoti izvi zvikasaitwa hupfumi hwenyika haufe hwakagadzirika.

Vamwe vanoti zviri kuitwa izvi zvaona vashandi, varombo nevari pamudyandigere vachisangana nematambudziko makukutu.

NeMuvhuro, gurukota rinoona nezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vakazivisa kuti hurumende ine hurongwa hwekuwedzera vashandi mari asi IMF yakabva yati hurumende ikangowedzera mari pasina kuvandudza hupfumi inenge yodzokera shure pahurongwa hwekugadzira hupfumi hwenyika.

Zimbabwe haisi kukwereteswa mari nemabhanga akaita seIMF neWorld Bank nenyaya yekutadza kubhadhara chikwereti chayo kumasangano anokweretesa mari aya, izvo zvapa kuti iyedze kushanda neIMF kuti ibude mumadhaka mairi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaCallisto Jokonya, vanoti vanobvumirana neIMF kuti vashandi vasawedzerwa mari.

Asi munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti mushandi ari kudya nhoko dzezvironda kuburikidza nemari dzaanotambira.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru weLabour and Economic Development Reserch Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze.

Vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti ,vanovazve mumwe wevatevedzeri wemutungamiri webato reMDC, vanoti zviri kuitwa naVaNcube hazvisi kushanda.

Asi VaJokonya vati vanhu vanofanira kunzwisisa kuti zvinhu zvakadai zvinotora nguva nekuti nyika yange yave mukanwa mamupere.

Vanoongorora nyaya dzezvemagariro evanhu, VaHopewell Gumbo, vanoti zvirongwa zvakadai zvehurumende neIMF zvakamboyedzwa kuma 1990 zvichinzi ESAP zvikakonzera kusagadzikana munyika.

Ko chii chaizvo chingaitwe kugadzirisa dambudziko iri?

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vanoti zvinoda mushandirapamwe asi zviri kukanganiswa nevanopikisa vari kuratidza kuti vanokara masimba.

VaBiti vanoti hurumende inofanira kurwisa nyaya yehuori.

Zvirongwa zveIMF zvakanangana nekudzikisa mari dzinoshandiswa nehurumende izvi zvapa kuti mitengo yemafuta ekufambisa dzimotokari negorosi ikwire uye kuti vashandi vehurumende vatambiriswe mari shoma. Hurumende inodawo kuti ibhadhare chikwereti chainancho.

Asi zvirongwa zvakadai izvi zvinoshorwa nevamwe kusanganisira bazi reUnited Nations rinoona nezvevana re United Nations Children's Fund vachiti zvinopa kuti varombo vabve vanyanya kuona nhamo.

Hurumende inosungirwawo kuvandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Chirongwa chaVaNcube chiri kutarisirwa kupera muna Kurume gore rinouya asi IMF ichauya kuzochiongorora mwedzi unouya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu