Hupfu Hwowedzedzerwa Mutengo Zvakanyanya

  • Blessing Zulu

Mutengo wehupfu hwakwira zvakanyanya mushure mekunge gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vabvisa mari yange ichibhadharwa nehurumende kuti chibage chinotengeswa kuGrain Marketing Board kana kuti GMB chinge chakaderera mutengo.

VaNcube vakazivisa nezvedanho iri pavakaparura hurongwa hwavo hwekushandiswa kwemari kana kuti bhajeti regore rinouya.

Kunyangwe hazvo vemuzvitoro vange vatowedzera mutengo nemadhora makumi matatu, veGrain Millers Association of Zimbabwe GMAZ vanoti vachaita musangano wechimbi chimbi kuti vaone kuti voita sei nenyaya yemutengo.

Mutauriri weGMAZ VaGarikai Chaunza vaudza Studio 7 kuti ivo havatare mitengo yehupfu sezvo ravo basa riri rekugaya chete chibage chavanenge vatenga kuGMB.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGarikai Chaunza


Kuwedzerwa kwemutengo hwehupfu kuri kuuya apo nyika yakatarisana nenzara inotyisa yapa kuti masangano anopa rubatsiro aparure hurongwa hwekupa vanhu vemumadhorobha vanodarika mamiriyoni maviri chikafu. Kumaruwa vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vakatarisanawo nenzara.