Huori Hwapararira Kunge Chirwere Chegomarara Munyika-TIZ

Ongororo ichangobva mukuitwa nesangano reTransparency International Zimbabwe inoratidza kuti nyika yeZimbabwe iripamusoro soro panya dzekusavimbika nehuori.

Nekune rimwe divi bato reMDC riri kutiwo veezvematongerwo enyika vanofanira kubuda pachena kuti vane hupfumi hwakaita sei.

Transparency international inoti huori hurwere hwapararira zvinotyisa munyika uye kuhupedza kunotoda basa guru nekuzvipira kweavo varimuzvinzvimbo zvepamusoro muhurumende.

Brenda Moyo weStudio 7 aita hurukuro naprogrammes manager wesangano iri vaTitus Gwemende vanotipa pfungwa dzavo.