Vanotengesa Mumigwagwa muHarare Vogara Vakaita hwaKiti naGonzo

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Vendors

Mapurisa ekanzuru yeHarare achibatsirwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police, anonzi akusunga nekutora midziyo yevanorarama nekutengesera mumigwagwa, avo vanonzi vaitengesera pakati peguta.

Izvi zvakaitika neChina panguva iyo vanotengesa vaive mubishi rekutengesa zvinhu zvavo.

Kanzuru yeguta reHarare inogara yakataura kuti vanhu vanofanirwa kutengesera munzvimbo dzakatarwa zviri pamutemo.

Asi vamwe vanotengesa mumigwagwa ava vanoti vakatorerwa zvinhu zvavo kunyange vakange vari munzvimbo dzavanobvumidzwa kutengesera vari.

Mukuru werimwe remasangano evanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, (VISET), VaSamuel Wadzayi, vanoti vakashamiswa nedanho rekanzuru iri sezvo vasati vaziva zvikonzero zvakaita kuti vanhu vatandaniswe munzvimbo dzavanotengesera.

VaWadzai vanoti kunyange hazvo vamwe vaitengesera munzvimbo dzisingabvumbidzwe, vamwe vevakatorerwa zvinhu zvavo zvavaitengesa pamwe nekusungwa vaitengesera munzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuti dzitengeserwe.

VaWadzayi vanoti vanhu vangangosvika gumi vakasungwa uye vainzi vabvise mari dzenhendamurandu, kana kuti mafaindi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rekanzuru kana mapurisa eZRP panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzai