Kanzuru yeHarare Yogevera Vagari Mvura

  • Jonga Kandemiiri

tap water

Kanzuru yeHarare yazivisa kuti yave kutora matanho ekuti ikwanise kugovera mvura kuvagari vayo, kana kuti water rationing mumisha yose yeguta kubva kuzuva rimwe chete kusvika kumazuva manomwe pasvondo.

Izvi zvaziviswa kuburikidza negwaro raburitswa nekanzuru iyi, iro rinoratidza kuti misha yakaita seMbare, Highfields, Sunningdale, Southerton, maindasitiri, Mufakose pamwe nemukati meguta, ichange ichiwana mvura mazuva ose pasvondo.

Asi mimwe misha inosanganisira Glen Norah, Glen View, Budiriro, Kuwadzana, Kambuzuma, neWarren Park ichange ichiwaniswa mvura mazuva mashanu pasvondo.

Misha yekuchamhembe kweguta kusanganisira Waterfalls, Epworth, ne Hatfield, ichange ichiwaniswa mvura musi weChitatu nemusi weChina chete pasvondo.

Misha iri kumaodzanyemba kweguta kusanganisira Borrowdale, ichange ichiwaniswa mvura kamwe chete pasvondo uri musi weChina chete.

Misha iri kumawirira kweguta inosanganisira Mabelreign neDzivaresekwa ichange ichiwaniswa mvura mazuva mana pasvondo.

Musha we Hatcliffe, uyo wakambobatwa nechirwere chemanyoka, wapiwa zuva rimwe chete rekuwana mvura, kuchitiwo Mabvuku ne Tafara dzichiwaniswa mvura mazuva maviri pasvondo.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yamanikidzwa kutora danho iri nekuda kwekushomeka kwemvura mumadhamu anowanisa guta mvura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMichael Chideme

Asi mukuru werimwe sangano revagari veguta reHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti kanzuru yavo haisi kugona kuchengetedza mvura sezvo mamiriyoni emarita emvura ari kurasika nekuda kwepombi dziri pasi pevhu dzakatsemuka dzisiri kugadziriswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuru naVaPrecious Shumba