Kanzuru yeguta reGweru inoti iri kutarisira kuvhura mimwe misika svondo rinouya senzira yekurerutsira vanhu vanorarama nekutengesa, uye kubatsirawo veruzhinji kuti vakwanise kuwana zvinhu zvakaita semuriwo nezvimwe zvinodiwa mazuva ose mukurarama kwevanhu.
Meya veguta reGweru, VaJosiah Makombe, vaudza Studio7 kuti kanzuru yavo, iyo iri kushanda nemapazi ehurumende, iri mushishi yekugadzirisa kuti mimwe misika ivhurwe muguta iri svondo rinouya.
VaMakombe vati vari kugadzirisawo kuti pave nenzira dzakasimba
dzekudzivirira kuti vanhu vasatapurirane chirwere cheCoronavirus icho chauraya vanhu vatatu muZimbabwe, mushure mekubata vanhu gumi nevatatu.
VaMakombe vatiwo vanotarsisira kuti misika iyi ichavhurwa svondo rinouya.
Izvi zvatambirwa nemufaro nemukuru werimwe sangano rinomiririra vagari reGweru Residents and Ratepayers Association, GRRA, VaCornelia Selipiwe, avo vati danho iri richarerutsira vagari sezvo zvinhu zvakaita semuriwo, madomasi nezvimwe zvange zvave kudhura nekuti zvange zvave kutengeswa nevashoma.
Asi vatiwo zvakakosha kuti vanhu varambe vachitevedzera zvose zviri kukurudzira pakudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, kanawo gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, kuti tinzwe pamire hurumende padanho riri kutorwa nekanzuru yeGweru.
Nharembozha zvevaviri ava dzanga dzichinetsa kubata.
Mune imwewo nyaya, sangano reGRRA rakabatana nesangano reGweru
Residents Forum, rakakwidza kudare reHigh Court chikumbiro
chechimbi-chimbi chekuti dare iri ripe mutongo wekuti kanzuru yeguta
reGweru ipe vagari mvura yakakwana kunyanya panguva ino iri kunzi
vanhu vagare mudzimba dzavo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere
cheCoronavirus.
Gweta riri kumiririra vagari, VaReginald Chidawanyika, vabvuma kuti
vakakwidza chikumbiro ichi kudare reHigh Court asi vati hapana
zvakawanda zvavangakwanisa kutaura sezvo chikumbiro ichi chisati
chanzwikwa.
Mukuru wesangano reGweru Residents Forum, VaCharles Mazorodze, vati pave nenguva yakareba vamwe vagari vasingawane mvura zvachose izvo vati zvinogona kupinza hupenyu hwavo panjodzi panguva ino yechirwere cheCoronavirus.
Mutauriri wekanzuru yeguta reGweru, Muzvare Vimbai Chingwaramusee,
vabvuma kuti vakatambira magwaro ezvenyaya iyi.
Sezvo nyaya iyi iri yechimbi chimbi, inogona kunzwikwa chero nguva.
Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvekutongwa kwematunhu uye vari
muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira, VaVincent Chakunda,
vanoti mvura chinhu chakakosha zvikuru muhupenyu hwevagari vachitiwo
zvakanaka kuti vagari vakwire kumatare senzira yekurwira kodzero dzavo.
VaChakunda vanoti kunange hazvo pane zvimhangamupinyi zvinoita kuti
makanzuru atadze kuwanisa vagari mvura sezvakafanira, makanzuru
anofanirwa kuita zvose zvaanogona kuti vagari vawane mvura uye
hurumende inofanirwa kubatsira zvikuru panyaya iyi.
Mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Amai Marian
Chombo, vati vange vasingakwanise kutaura nesu sezvo vange vari
mumusangano une chekuita nezvechirwere cheCoronavirus.
Munguva pfupi yapfuura dare repamusoro rakapa mutongo wekuti kanzuru
yeguta reHarare iwanise vagari mvura yakakwana mushure mekunge sangano reCombined Harare Residents Association, rakwira kudare iri
nechikumbiro chimwe chete.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Taurai Shava