Kupemha Mari kwaVaMthuli Ncube Kwokonzera Mutauro

Mthuli Ncube, Zimbabwe’s new finance minister,

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kushora danho ratorwa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, rekupemha mari yekubatsira mukurwisa chirwere cheKorera, dzichiti hurumende inofanirwa kukoshesha nyaya dzehutano.

Vachipindura paTwitter yaVaNcube, mumiriri weKuwadzana East muparamende, Va Charlton Hwende ve MDC, vati zvaitwa naVa Ncube hazvina maturo kana hurumende yakakwanisa kutumira ndege kuti itakure mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuti vaende kurufu rwaamai vavo asi ichishaya mari yekubatsira varwere vekorera.

Asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorgre Charamba, vakaramba nezuro kuti hurumende yakashandisa mari yayo kubhadhara ndege yakatakura amai mugabe vachiti vakabatsirwa ne vemabhizinezi kuita izvi. Nyanzvi munyaya dzezvemari nehupfumi, uye vachidzidzisa ku Devry University, Ku Ohio, VaElliot Masocha vanoti hurumende yakanonoka kuronga nezvekorera.

VaMasocha vanoti hurumende inofanirwa kugara ichingori ne homwe inomirira nguva dzakadai kwete kuzoda kumhanya mhanya dambudziko ravapo.

Vanoti mari zhinji dzinoshandiswa pane zvimwe zvinhu dzinofanirwa kudai dzichichengeterwa kushanda kunyaya dzehutano nekuti hutano hwakakosha kudarika kutengera vakuru vakuru dzimota dzinodhura nezvimwe zvisingabatsiri veruzhinji.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Proffessor Elliot Masocha