VaMatinenga Vanoti Havaoni Bumbiro Richipera Svondo Rinouya

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti havaoni gwaro rebumbiro remitemo richipera mukati mesvondo kuti risvitswe kuvatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vari muhurumende yemubatanidzwa.

Mashoko aVaMatinenga anotevera kurudziro yakaitwa nevakuru vatatu muhurumende, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Mashoko evatatu ava akabuda mushure memusangano wedare remakurukota, iro rakazeya gakava riripo pabasa rekupedzisa kunyorwa kwebumbiro idzva.

Dare remakurukota rakakomekedza kuti bumbiro idzva iri ringe rapera svondo rinouya.

VaMatinenga vanoti havaone izvi zvichiitika sezvo pachine zvinetswa zvitatu zvinoti nyaya yekuzvitonga kwematunhu, kuve chizvarwa cheimwe nyika usingarasikirwi nekodzero dzako, uye masimba evatungamiri, zvisati zvawiriranwa nekomiti iri kukokera hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva.

Vatungamiri vemapato ari muhurumende vanonzi vakati COPAC nekomiti yemakurukota ari kukokera kunyorwa kwebumbiro idzva vange vapedza kunyora gwaro reDraft Constitution uye varisvitse kwavari svondo rinouya.

VaMatinenga vanonzi vakanziwo vashande pamwe nemakomiti aya mukuona kuti izvi zvaitwa.

Pasi pechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe inofanirwa kunyora bumbiro idzva rinofanirwa kushandiswa pakuita sarudzo dzichaitwa munyika.

Asi kunyorwa kwebumbiro iri kuri kukonzera mutauro mukuru mapato ari muhurumende achinetsana.

Sangano reNational Constitutional Assembly rinoti veruzhinji havafanirwe kutambira bumbiro idzva riri kunyorwa nekuti harisi kubva muvanhu asi kuti nderekuchengetedza zvidzo zvemapato matatu ari muhurumende.

Sangano iri rakakurudzira veruzhinji kuramba kutambira bumbiro rakanga ranyorwa pareferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.