Chikwata cheGunners chinoti chiri kufara zvikuru nekutora kwachaita mukombe we 2009 Premier Soccer League, izvo zvichapa kuti chikwata ichi chimirire Zimbabwe mumakwikwi e Confederation of African Football Cup Champions League.
Gunners inoti yatova mushishi rekutsvaga mari yekugadzirira makwikwi eCAF Champions egore rinouya.
Gunners yakakunda Dynamos 2-0 neSvondo, izvo zvakaita kuti Gunners itore mukombe wePSL gore rino, kunyange hazvo ichine mutambo wasara ne Lengthens.
Mutungamiri weGunners, VaCuthbert Chitima, vanoti chikwata chavo chichaita zvose zvachinogona kuitira kuti mureza weZimbabwe munhabvu, urambe wakasimudzirwa.