Global Fund Inopa Zimbabwe Mamiriyoni Makumi Masere eMadhora
Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Global Fund
WASHINGTON —
Sangano re Global Fund rakapa neChipiri Zimbabwe mari ichashandiswa muzvirongwa zvekurwisa HIV/AIDS, rurindi nemarariya.
Mugwaro resangano iri rakaburitswa neUnited Nations, Global Fund inoti ichapa Zimbabwe mari inosvika makumi masere nemana emamiriyoni emadhora.
Mari iyi ichashandiswa muzvirongwa zvekupa vanhu vanorarama ne HIV/AIDS mishonga yema Anti Retrovals Drugs, kudzivirira marariya, pamwe nekurwisana nechirwere cherurindi, kana kuti Tuberculosis, TB.
Mari iyi ndeye chikamu chichisere mukamuri yechipiri yeGlobal Fund.
Vanhu vanosvika zviuru gumi vari kutarisirwa kuti vange vachipihwa mishonga yema ARVs. Sangano re Global Fund rinoti mari iyi ichakwanisa kuti vanhu vanorarama ne HIV/AIDS vawane mishonga kwemwedzi mitanhatu.
Sangano reGLobal Fund riri kuita chirongwa ichi pasi pechirongwa che United States President’s Emergency Plan For Aids Relief (PEPFAR).
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reNational AIDS Council, iro rinofambisa mari dzinobva kubva kuGlobal Fund, VaRaymond Yekeye, vanoti sangano ravo riri kufara nevimbiso yapihwa ne Global Fund sezvo mari iyi ichabatsira zvikuru vanhu vazhinji vanorarama ne HIV/AIDS.