Sangano revashandi vemumapurazi, reGeneral Agricultural and Plantation Workers Union, GAPWUZ, rinoti rafunga zvekuenda kudare reSADC Tribunal richichema nerekuti hurumende yemushandira pamwe iri kutadza kuchengetedza kodzero dzevashandi vemumapurazi.
Gapwuz inoti inoda kuti dare iri riture mutongo unokomekedze hurumende yeZimbabwe kuti ichengetedze kodzero dzenhengo dzayo. Nyaya iyi iri kutarisirwa kupinzwa mudare iri muna Kurume, apo richatanga kugara gore rino.
Mutauriri weGAPWUZ, VaTapiwa Zivira, vanoti vaona zvakakodzera kuti vasvitse nyaya iyi kudare renyika dzekuchamhembe kweAfrica, sezvo kutyorwa kwekodzero dzevashandi vemumapurazi dzisiri kuremekedzwa nevari kutora mapurazi aya. VaZivira vanoti vane tarisiro yekuti dare iri richapa mitongo inokomekedza hurumende kuti ichengetedza kodzero dzevashandi vemumapurazi.