Munyori Mukuru weSADC VaTomaz Salomao Vopinda muZimbabwe

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vapinda muZimbabwe neChina vaine chinangwa chekuedza kukurudzira Zanu PF neMDC kuti dziite chimbi chimbi pakutaurirana panyaya dzasara dzinoda kugadziriswa.

SADC yakatara kuti gakava pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, dzinofanirwa kunge dzapera panoka mazuva makumi matatu nemusi wa 5 Zvita.

Pange pachitarisirwa kuti pataurwe zvinhu zvitanhatu zvinosanganisa nyaya yemagavhuna ematunhu, yagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, asi panonzi pave nenyaya dzinosvika makumi maviri nesere dzinosanganisa dzemaNGO, kuremekedza mapazi ehurumende, nyaya yekuti gamba ndiyani, nedzimwe dzinonzi dzinofanirwa kugadziriswa.

NeChina nhaurirano dzange dzichienderera mberi pachitariswa nyaya yemitemo inotonga dare remakurukota uye kusangana naVaSalomao.

VaJoy Mabenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda ne Institute for A Democratic alternatives for Zimbabwe. VaMabenge vanoti kusatendekana pakati pevanhu vari munhaurirano ndizvo zviri kupa kuti zvinhu zvirambe zvakaita manyama amire nerongo.