EU Inoti Kupambwa KwaVaDzamara Kunogona Kukanganisa Kudyidzana neZimbabwe

  • Ntungamili Nkomo

Sangano reEuropean Union rinoti kudyidzana kwaro nehurumende yeZimbabwe kunogona kukanganisika zvikuru nenyaya yekutsakatika kwaVaItai Dzamara avo vakapambwa nevanhu vasingazikanwi mwedzi miviri yapfuura.

Mumashoko ayo kuvatori venhau neMuvhuro EU inoti hurumende inofanirwa kutsvaga VaDzamara yakazvipira uye inofanira kuvadzosera kumhuri yavo.

Sangano iri rinoti vanhu vakatsakatitsa VaDzamara vanofaniraeo kutsvagwawo uye kusungwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaNkululeko Sibanda vanoti zvakakosha kuti hurumende isimbise kutsvagwa kwaVaDzamara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Nkululeko Sibanda

VaDzamara nechikwata chavo cheOccupy Africa Unity Square vairatidzira murunyararo muAfrica Unity Square vachiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kusiya basa nekuti vakundikana kutonga. Masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu ari kushora hurumende nezvekutsakatika kwaVaDzamara.

Asi vachitaura mudare reparamende svondo rapera, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti hurumende iri kuenderera mberi nekutsvaga vaDzamara.