European Union Ichabvisa Here Zvirango Zvayakatemera Nhengo dzeZanu PF?

Nyika dzemu European Union, EU, dzichazeya nyaya yezvirango zvakatemera nhengo dzeZanu PF nemusi weMuvhuro svondo rinouya.

EU inoti ichabuda nechisungo chekuti zvirango izvi zvoramba zviripo here kana kuti zvobvisva.

EU yakambenge yakatemera nhengo dzeZanu PF dzakawanda zvirango muna 2002 zvichitevera kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Asi yakabvisa nhengo zhinji mugwaro rezvirango izvi.

Pari zvino vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, ndivo chete vachiri pazvirango izvi pamwe nekambani inogadzira zvombo, yeZimbabwe Defence Industries.

Britain, inova nhengo yeEuropean Union, yakazivisa svondo rapera kuti inoda kuti zvirango izvi zvirambe zviripo uye inoti dzimwe nhengo dzehurumende dzinogona kutemerwa zvirango zvichitevera kuurayiwa kwevanhu nemauto mwedzi wapera.

Vanorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti havaoni EU ichibvisa zvirango izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga

Asi nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumanzu, vanoti zvirango izvi zvinofanirwa kubvisva nekukurumidza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGadzira Chirumanzu