EU Inobvisa Vamwe Vanhu Vayakatemera Zvirango

Sangano remubatanidzwa wenyika dzemu European Union, kana kuti EU, neChipiri rakabvisa mazita evamwe vanhu makumi matatu nevashanu pazvirango zvakatemerwa kubva gore ra2002.

Asi sangano iri rakawedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe zana nemakumi matanhatu nevatatu.

Vakabviswa pazvirango vanosanganisira madzimai evakuru vemasoja, pamwe nemutauriri waVaMugabe, Va George Charamba.

Vamwe vakabviswawo pazvirango vanosanganisira vaimbova gavhuna veMashonaland East, Va Raymond Kaukonde, mutungamiriri weZimbabwe Council of Chiefs, Va Fortune Charumbira, mutungamiri we Zimbabwe Cricket, Va Peter Chingoka, mutevedzeri webazi redzidzo, Va Lazarus Dokora, nhengo dze politburo, Amai Victoria Chitepo naVaKumbirai Kangai, mutevedzeri wekurongwa zvakanaka kwehupfumi, Va Samuel Undenge, vaimbova gweta guru renyika, Va Sobusa Gula Ndebele, mutevedzeri webazi remabasa, Va Guy Georgias, sachigaro ve Electoral Supervisory Commission, iyo yakabviswa, Va Theophilus Gambe, nevaimbova metevedzeri wegurukota rezvemari, Va Chris Kuruneri.

Vamwe vabviswa pazvirango vanhu vakafa mugore rapfuura vanosanganisira Muzvare Sabina Mugabe.

Mutauriri we ZANU-PF, Va Rugare Gumbo, vati bato re MDC ndiro riri kuita kuti zvirango izvi zvirambe zviripo.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirwa naVa Tsvangirai, Muzvare Tabitha Khumalo, vati ZANU-PF ndiyo iri kuita kuti zvirango izvi zvirambe zviripo zvikuru sei nekukonzeresa mhirizhonga.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwe enyika, VaCharles Mangongera, vanoti kubviswa kwevanhu makumi matatu nevashanu ava pazvirango hazvireve kuti hukama hweZANU-PF ne European Union huri kuita nani.