Sangano reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ riri kuyambira kuti zvinhu zvinogona kutanga kushaikwa muzvitoro nekuda kwemutemo mutsva wehurumende weStatutory Instrument 127.
Svondo rapera hurumende yakadzika mutemo wechimbi chimbi kana kuti Presidential Powers (Temporary Measures) (Financial Laws Amendment) Regulations 127 of 2021 unomanikidza vemabhizimisi kuti vatengese zvinhu nemutengo unoendererana newepamusika wemari weRBZ foreign exchange rate kwete wepamusika wemukoto.
Vemabhizimisi vanotyora mutemo uyu vanorangwa zvakaomarara.
Mutungamiri weEMCOZ, Doctor Israel Murefu vaudza Studio 7 kuti mutemo uyu wakangofanana nekutara mitengo yezvinhu zvavanoti zvinokonzera kuti zvinhu zvichitanga kushaikwa muzvitoro.
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti danho iri harisi kuda kuomesera vemabhizimisi asi rinounza kugadzikana nekumisa huori kune vanowana mari kubhanga guru renyika nemutengo wepasi asi vodhurisa zvinhu.
Doctor Mangudya vaudzawo Studio 7 kuti itumire mibvunzo asi vanga vasati vaipindura pataenda pamhepo.
Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati zvitoro zvakaita seTeecherz Furnitures, OK, N.Richards nezvimwe zviri kutevedzera kurudziro yehurumende.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaIsrael Murefu