Dynamos Yokorokotedza Gunners neKutora Mukombe wePSL

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Soccer

Chikwata cheDynamos chinoti kunyange hazvo chisina kutora mukombe we2009 Premier Soccer League gore rino, chiri kutarisira kuti chichakwanisa kuramba chiri panzvimbo yechipiri pa log kuitira kuti chiendewo kunotamba mumakwikwi eConfederation of African Football (CAF) Champions League gore rinouya.

Munyori mukuru weDynamos, VaStan Kasukuwere, vanoti chikwata chavo chichaita zvose zvachinogona kuita kuitira kuti chigadzirise zvose zviri kunetsa muchikwata ichi. VaKasukuwere vanotiwo chikwata chavo chichasunga dzisimbe pamutambo wacho neShooting Stars, kuitira kuti chikunde Shooting Stars, izvo zvinozopa kuti Dynamos ipedze iri pachinzvimbo chechipiri.

Dynamos ikakundwa neShooting Stars, Caps United inobva yapinda pachinzvimbo yechipiri, zvitevera kukunda kwayaita Kiglon 2-1.

Kutanga gore rinouya nyika dzava kutumira zvikwata zviviri kumakwikwi aya. Gunners ndiyo yakatora mukombe wePSL gore rino, izvo zvichapa kuti inge iri chikwata chekutanga chichange chichimirira Zimbabwe mumakwikwi emutambo wenhabvu muAfrica. Chikwata chechipiri chichaonekwa panopera mutambo weDynamos neShooting Stars.

Vamwe vanoongorora mitambo yenhabvu vanoti mvongamupopoto iri muDynamos ndiyo ingangove yakakanganisa kubudirira kwechikwata ichi gore rino.