Zvizvarwa zveZimbabwe Makumimi Masere neZviviri (82) Zvoratidzwa kuMozambique Mushure Medutumupengo Idai

  • Blessing Zulu

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko raburitsa mashoko pandandemutande raro reTwitter richiti huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vakafa vakavigwa kuMozambique mushure mekuyeredzwa nemashamu emvura etropical cyclone Idai hwasvika pamakumi masere nevaviri.

Munyika mune vamwe vanhu zana namakumi mapfumbamwe nevasere vakashaya. Izvi zvave kureva kuti vanhu vashaya muZimbabwe nedutumupengo iri vave mazana maviri nemakumi masere kna kuti 280.

Gurukota rinoona nezvemagariro akanaka evanhu Doctor Sekai Nzenza vanoti vanhu vari kuvigwa munyika vari kuchengetedzwa pachishandiswa tsika dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Sekai Nzenza

Kutsvaga vamwe mazana matatu vasiri kuzivikanwa kuti varipi kuri kuenderera mberi.

Nhasi rumwe rubatsiro kubva kubazi rezvevapoteri reUnited Nations High Commissioner for Refugees rwasvika munyika kuzobatsira vakawirwa nedambudziko redutumupengo Idai muZimbabwe.

Rubatsiro urwu runosanganisa migomo, magumbeze, mamosquito nets, mwenje inoshandisa zuva uye motokari rwauya nendege yekuDubai mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi Sheikh Mohammed bin Rashid al Maktoum vapa United Nations pachena kuti itakure rubatsiro urwu.

Hurongwa hwekubatsira vanhu hunonzi huri kuenderera mberi kunyangwe hazvo vamwe vagari vekuChimanimani neChipinge vari kuti rwubatsiro rwuri kunonoka zvakanyanya zvekuti vave kurarama nemichero kana kunonga zvekudya kumahombekombe kwenzizi.

Mumwe mugari wekuWard 14 Chipinge East VaBrighton Nyanise Sunguro vanoti rubatsiro harusati rwasvika kwavari kunyangwe vakavimbiswa neCivil Protection Unit kuti vachabatsirwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBrighton Nyanise Sunguro