Dr Thokozani Khupe Vokurudzira Kubatana muNyika

Doctor Thokozani Khupe

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T Doctor Thokozani Khupe vanoti zvakakosha kuti vanhu vose vemuAfrica vabatane sechaive chinangwa chevatungamiri venyika dzemuAfrica vakavamba sangano remubatanidzwa wenyika idzi we Organization of African Union kana kuti OAU muna 1963.

Dr Khupe vanotiwo Zimbabwe inofanira kunge iine muono wekubatanawo zvekare kana ichida kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi. Vati vanoda kuti Zimbabwe idzokere panguva yaytainzi ndiyo dura renyika dziri kuchamhembe kweAfrica sezvo yainge iri hurudza panyaya dzekurima.

Vakurudzirawo vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vazadzikse zviga zvakabvumiranwa muna 2015 zveAgenda 2063 zvehurongwa hwekubvisa hurombo muAfrica vachiti izvi chete ndizvo zvinopa kuti remangwana revana veAfrica rive rakajeka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Thokozani Khupe