Doctor Maxwell Shumba Vorambidzwa Kukwikwidza Sarudzo dzeMutungamiri weNyika neZEC

  • Blessing Zulu

ZIMFirst principal coordinator Dr. Maxwell Shumba

Mutungamiri webato rinopikisa reZimFirst Party Doctor Maxwell Shumba vanoti vari kuronga kuendesa Zimbabwe Electoral Commission kumatare nenyaya yekuramba kutambira mapepa avo ichiti vanhu vainge vachipa huchapupu kuti vakwikwidze vainge vasiri pagwaro revavhoti sezvinodiwa nebumbiro remutemo.

Asi ZEC yacho yange ichiramba kupa vari kukwikwidza musarudzo idzi gwaro revavhoti sezvinsungirwa nebumbiro remutemo.

VaShumba vaudza Studio 7 kuti vane humbowo hwekuti vanhu vakavasarudza vari mugwaro revavhoti uye ZEC ikasavabvumidza kukwikwidza vachavaendesa kumatare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Maxwell Shumba

Zvichakadaro, vamwe vaida kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vakazoti havasi kuzopinda musarudzo idzi sezvo vachifungidzira kuti dziri kubirirwa.

Vasina kupinda vanosanganisa mutungamiri weZimbabwe Development Party ZDP VaKisinoti Mukwazhi uye mutungamiri weVoice of the People VOP VaMoreprcision Muza.

VaDumiso Dabengwa veZAPU vanonzi havana kuendesa mapepa paine runyerekupe rwekuti vari kuda kuronga kutsigira VaNelson Chamisa. Asi hatina kukwanisa kubata vaviri ava kuti tinzwe kuti ichokwadi here.