Dhora reRTGS Roramba Richishaya Simba Zvopa Kuti Zvinhu Zvidhure

  • Blessing Zulu

Dhora remunyika reRTGS riri kuramba richishaya simba zvichienzaniswa nerekuAmerica zvopa kuti vashandi vaomerwe nehupenyu

Pamusika mutema dhora iri rave kutengeswa nemadhora anodarika mana padhora rekuAmerica kana kuti 1:4.2.

Pamusika uri pamutemo, RBZ inoti RTGS iri pamadhora matatu kana kuti 1; 3.03 padhora rekuAmerica.

Izvi zvapa kuti zvinhu zvakawanda zviwedzerwe mutengo munyika zvinosanganisa zvekudya zvichimomera vashandi.

Munyori mukuru musangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vanoti kunyangwe hazvo mitengo yezvinhu zvekudya nezvimwe iri kuita chamuramba mhuru, vashandi havasi kuwedzerwa mari nekuti hurumende haina chido chekusangana nevashandi nevashandirwi pasi pehurongwa hweTripartite Negotiating Forum.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo