Dare Rotara Zuva reKutonga Nyaya Yakakwidzwa ZEC kuMatare neVasingaone

  • Jonga Kandemiiri

ZEC

Dare repamusoro ratara musi weMuvhuro, 21 Chivabvu 2018, sezuva rekunzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri naVaAbraham Mateta vachida kuti dare iri rimanikidze Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kudhinda magwaro ekuvhotera eBraille, iyo inokwanisa kushandiswa nevamwe vasingaoni vanenge vachida kuvhota musarudzo dzegore rino.

Nyaya iyi inonzi ichanzwikwa neguva dzemasikati. ZEC yakazivisa svondo rapera kuti haisi kuzodhinda magwaro eBraille sezvo isina huwandu hwevanhu vasingaoni vanokwanisa kuverenga Braille.

Asi vemapato anopikisa pamwe nemamwe masangano akazvimirira vari kupomera ZEC mhosva yekutsikirira kodzero dzevasingaoni dzekuti vavhote muchivande.

Gweta, VaAbrahama Mateta avo vakakwidza nyaya iyi kumatare vanoti zviri kuitwa neZEC kutyora kodzero dzevasingaone.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAbraham Mateta