Dare repamusoro soro reSupreme Court razivisa kuti vanhu vose vakakwereta mari musi wa22 Kukadzi 2019 usati wasvika, vanokwanisa kubhadhara mari iyi nemari dzemaRTGS iri pachikero chakaenzana nedhora rekuAmerica kana kuti 1 to 1 izvo zvasiya vakakweretesa mari vari pamhene.
Dare repamusoro rapa mutongo uyu panyaya yange yakakwidzwa kudare iri nekambani yeV.N.R Barber ichipikisa mutongo wainge wapihwa nedare repamusoro reHigh Court wekuti ibhadharwe nemaRTGS nekambani yeZambezi Gas Zimbabwe kunyange vainge vatengeserana nemari yekuAmerica.
V.N.R Barber inoti yakakweretesa Zambezi Gas Zimbabwe zvinhu zvemari inodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere nemakumi masere- US$3 885 00 muna 2018 ikabhadharwa nemari yemaRTGS mushure mekunge paiswa murawo weStatutory Instrument wa2019 wainzi dhora reAmerica neRTGS ave gedye gedye kana kuti ainge akaenzana huremu.
Izvi zvinoreva kuti VNR Barber yakarasikirwa nemari inosvika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nemaviri emadhora kana kuti 3 992 000.00 US Dollars, kana paiswa mutero.
Vatongi vapa mutongo uyu vanoti VaLuke Malaba, Amai Susan Mavingira na VaNicholas Mathonsi.
Mumwe mutevedzeri webato guru rinopikisa reMDC, VaTendai Biti, avo vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti zvaitwa zvinosiya vamwe vemabhizimisi vari pamhene kusanganisirawo vakakweretwa mari nehurumende inosvika mabhiriyoni mapfumamwe ekuAmerica.
Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Israel Murefu.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvaitwa zvinokanganisa vemabhanga nemakambani.
Hongu vamwe vanogona kunge vachiti vageza negoka munyama, asika hakuna here vamwe vari kunyemwerera kuti mudzimu waro bonga kuona huku dzichirwa. VaChitambara vanoti vakakwereta mari ndivo vari kunyemwerera.
Asi vachipawo maonero avo, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti zvaturwa nedare watove mutemo nekudaro kuushora kungopedzera hoko padewe retsindi.
Asi pane mukanha wekuenda kudare reConstitutional Court kunopikisa mutongo uyu here? VaBiti vanoti vanhu vanogona kuenda kudare reConstitutional Court.
Nyika yave nemakore ichichinja chinja mitemo yemari kubva zvakatanga kunetsa zvinhu kumakore ekuma 2008 nekuda kwekushaya simba kwedhora remunyika. Izvi zvakapa kuti Zimbabwe itange kushandisa mari dzekune dzimwe nyika.
Asi kutanga gore rapera yakatizve yave kushandisa dhora remunyika pasina kuwirirana kuti izvi zvinoshanda here sezvo zvakambokundikana.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Blessing Zulu