Dare Rinorasa Nyaya yaMuzvare Khupe Yekudzingwa muParamende

  • Blessing Zulu

Doctor Thokozani Khupe

Dare repamusoro soro reConstitutional Court rarasa nyaya yainge yakwidzwa kudare iri nemutungamiri webato reMDC-T, Doctor Thokozani Khupe, yekuti vainge vadzingwa mudare reparamende zvisiri pamutemo muna 2018 nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vachinzi vainge vasisiri nhengo yebato iri.

Muzvare Khupe vainge vaendesa kudare mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, uye MDC iyo yainge yakamirirwa nevaive sachigaro webato iri panguva iyi, VaMorgan Komichi.

Izvi zvakatevera kunetsana kwevaviri ava panyaya yekuti ndiyani aizotora chigaro chamuchakabvu Morgan Tsvangirai.

Dare iri rati rainge rapa haro mutongo uyu asi nyaya iyi yainge yadyiwa nenguva nekuti pakatozoitwa dzimwe sarudzo uye hupenyu hwedare reparamende rainge radzingwa Muzvare Khupe hwainge hwasvika kwamvura yacheka makumbo kukatozoitwa dzimwe sarudzo.

Hatina kukwanisa kubata VaKomichi kuti tinzwe divi ravo.

Mutauriri webato raVaKomichi, VaDaniel Molokela, vati vange vasati vazeya nyaya yacho.

Gweta raMuzvare Khupe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti havasi kukatyamadzwa nemutongo uyu sezvo vange vachida kungoona kuti matare anoti kudii panyaya yavaiziva havo kuti yainge yadarikwa nenguva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku