Dare rePamusoro Soro Ropa Nhasi Mutongo weKuti Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvingavhote Here

  • Blessing Zulu
    Jonga Kandemiiri

Justice Luke Malaba

Dare repamusoro soro re Constitutional Court mangwanani anhasi kuMashonganyika Building muHarare nenguva dza 9,30 riri kutarisirwa kupa mutongo waro panyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinokwanisa kuvhota here.

Kunyangwe bumbiro remutemo richiti vanokwanisa kuvhota, hurumende iri kupa zvikonzero zvakasiyana siyana kuti sei isingakwanisike kuti vavhote kunyaya nyaya yemari.

Nyaya iyi yange yambosendekwa parutivi musi wa 14 Kurume.

Vakaendeswa kumatare negweta VaGabriel Shumba veZimbabwe Exiles Forum, vanosanganisa gurukota rezvemiteo, Zimbabwe Electoral Commission nevamwe. Gweta raVaShumba nevamwe vavo vaviri ndiVaThabani Mpofu vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Sachigaro weZimbabwe Citizens’ Initiative, VaPromise Sande avo vari muFlorida, America vanoti ikodzero yezvizvarwa zveZimbabwe zvose zviri munyika kana kunze kuti zvivhote. Vati zvazvarwa zveZimbabwe zviri kunze zviri kutumira mari yakawanda kuZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Sande