Dare reConstitutional Court Rozeya Nyaya yeKuti Ndiyani Akakunda Musarudzo

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Dare reConstitutional Court riri kuzeya nyaya yakakwidzwa kudare iri nemutungamiri webato reMDC Alliance VaNelson Chamisa.

Nyaya iri kunetsa parizvino inyaya yekuti vamwe vatongi vedare vari kuti bato iri rakakumbira kuti magwaro ose ekuvhota angadai akatanga kuverengwa. Izvi zvaifanira kuitwa mukati memaawa makumi mana nemasere.

Asi gweta raVaChamisa VaThabani Mpofu vari kuti pane vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu nemapfumbamwe vasiri kuzivikanwa kuti vakabva kupi. Nyaya yemabatirwo esarudzo dzeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC iri kunetsa zvikuru panyaya yevanhu vakavhota.

Magweta mapfumbamwe eConstitutional Court achitungamirwa naVaLuke Malaba ndiwo ari kunzwa nyaya iyi.