Dare reMakurukota Rotambira Murawo Unosungira Mapato Kusaita Mhirizhonga

Dare ramakurukota rinonzi rakatambira zviri pamutemo gwaro remurawo unofanirwa kutevedzwa, kana kuti Code of Conduct inobata mapato ezvematongerwe enyika munyika.

Murawu uyu unosungira mapato ose ari muhurumende kuti awanikwe aine mhosva kana vatsigiri vawo vachikonzera mhirizhonga munharaunda dzavagere.

Mumwe wemakurukota anoona nezvekupodzwa kwemaronda nekugara zvakanaka kwevanhu munyika, Amai Sekai Holland, vanoti gwaro iri rava kuongororwa nehofisi yemuchuchisi mukuru wenyika pamwe nedare reparamende kuitira kuti rive pamutemo.

Asi vanhu vakazvimirira vanoti zvese izvi kutambisa nguva nekuti zvinodiwa mu Zimbabwe kuva nemapurisa akasimba asingatyi kuita basa ravo kana kumbunyikidzwa nevakuru wezvemapato ematongerwe enyika.