Nyanzvi munyaya dzezvehutano vari munyori musangano reZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland Dr Enoch Mayida vanoti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba yeCovd-19 nekuti chirwere ichi chinokwanisa kudzoka kechina zvine mutsindo kana kuti 4th wave muZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDr Enoch Mayida
Zvinhu hazvina kumisa zvakanaka kuBritain, Australia nekuRussia uko huwandu hwevari kufa nekubatwa neCovid-19 hwatanga kuwedzera zvekare.
Sangano rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization riri kukurudzira vanhu pasi rose kuti vabayiwe nhomba kuti chirwere chisarambe chichiuraya vanhu.
Chiri kutemesa nyanzvi munyaya dzezvehutano musoro inyaya yekuti mhando yeCovid-19 yauraya vanhu vakawanda muZimbabwe nedzimwe nyika yazvivandudza zvekare nekamhando katsva kakawanikwa kuBritain kanonzi A.Y. 4. 2 kana kuti delta plus.
Nyanzvi munyika iyi dzinoti dzichiri kuongorora kamhando katsva aka kane hukasha hwakadii.
Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yeCovid-19 muZimbabwe kusvika neMugovera vange vave vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi mashanu nemasere ane mazana matanhatu nemakumi manomwe nemashanu kana kuti 3, 258, 675.
Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu nemakumi maviri nemanomwe zcine mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nechimwe kana kuti 2 527 931.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda.
Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi matanhatu nevatatu kana kuti 4, 663.
Vanhu makumi mana nevasere vakabatwawo nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nemaviri zvine mazana mashanu nemakumi masere nemasere kana kuti 132 588.