Vanhu vakawanda vari kutadza kutora mari dzavo mumabhanga sezvo mabhangi emuChinhoyi akawanda asati awana mari kubva kubanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kunyange haro rakaparura mari itsva munyika.
Mumabhanga emuChinhoyi maswera musina mari sezvo mabhanga aya ari kuti akamirira kupihwa mari neRBZ.
Mabhanga aya aitarisira mari iyi nezuro, asi hapana chakaitika.
Nhasi zvakare mabhanga aya anga akatarisira kuwana mari, izvo zvisina kuitika zvakare.
Mukuru webhangi rePost Office Saving Bank, POSB, muChinhoyi, VaErusmus Matiza, vati havasati vawana mari itsva kana yemabhondi kubva neMuvhuro.
Mashoko aVaMatiza atsigirwa nevakuru vakawanda vemabhanga emuChinhoyi.
Mumwe mugari wepapurazi reBakuta riri pedyo neChinhoyi , Amai Mavis Tom, avo vanobhenga nePOSB, vati vanzi hapana mari uye havazive kuti mari ichauya riini.
Mumwe mugari atadza kutora mari, VaPedzisai Nyandoro, vati semaonero avo, bhanga guru renyika rakakurumidza kumedza kutsenga richada sezvo rakaparura mari itsva risina kugadzirira.
VaNyandoro vati zviri kuita bhanga guru zvakafanana nekushevedzera muchato munhu asina kugadzirira.
VaNyandoro vati vakatarisira mari kubhanga sezvo vanga vanzwa nekuchadywa mari yakawanda neEcocash pavanenge vachitenga.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reRBZ kuti seyi risina kuendesa mari kumabhanga emuChinhoyi.
Asi gavhuna webhanga iri, VaJohn Mangudya, vakaudza Studio7 kuti motokari dzemabhanga akawanda dzainge dziri pabhanga ravo dzakamirira kutakura mari iyi
Bhangi guru renyika rinoti rakaparura mari itsva iyo iri mumadhora maviri akabatana emakoini neebepa pamwe nemadhora mashanu akabatana ebepa senzira yekugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari munyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Arthur Chigoriwa