Vanhu Vakasungwa kuChingwizi Vanobvisiswa Mari yeChibatiso

Vanhu makumi maviri nevashanu vakasungirwa mhirizhonga yakaitika ku Chingwizi vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare ramejasitireti ku Chiredzi.

Vanhu ava vanzi vabvise madhora makumi matatu pamunhu uye kuti vaende kukamba yemapurisa iri pedyo navo Chishanu chega chega. Vanziwo vasabude muMasvingo pasina mvumo yemapurisa.

Asi vamwe vasungwa vana vanzi vagare mutirongo kusvika nyaya yavo yatanga kutongwa.

Asi magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ayo ari kumiririra vanhu ava, anoti ave kukwidza nyaya iyi kudare reConstitutional Court kuti riongorore kana vanhu ava vasina kutyorerwa kodzero dzavo apo vaipisirwa matende avo uye apo vanonzi vakatochwa vari muhusungwa.

Svondo rapera kuChingwizi kwakaitika mhirizhonga pakati pemapurisa nevanhu vange vakagariswa munzvimbo iyi mushure mekubviswa munzvimbo yeTokwe Mukosi nenyaya yemafashamu emvura muna Kukadzi.

Asi hurumende yange ichitadza kuvapa mari yekuti vanogara patsva kuNuanetsi.

Rimwe remagweta evanhu vekuChingwizi, VaCollin Maboke, vanoti dare reConstitutional Court ndiro rine masimba ekunyatsozeya nyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCollin Maboke