Chingwa Chotarisirwa Kushomeka Zvakanyanya Mushure Mekunge Hurumende Yadzikisa Mutengo

  • Blessing Zulu

Mutungamiri weBakers Association of Zimbabwe, rimwe sangano revanobika chigwa VaWellington Peyama vanoti danho rehurumende rekuti chingwa chidzikiswe kubva pamadhora maviri nemakumi matatu nemashanu kuenda padhora nemakumi masere rinoshanda chete kana bhanga reRBZ richikwanisa kuvapa mari yekuAmerica kuti varitenge pamukoto zvopa kuti vatatarike.

Kudzikiswa kwechingwa nehurumende kuri kutarisirwa kutokonzera kushaikwa kwacho kunzvimbo dzakawanda sezvo vanobika chingwa vatodzikisa huwandu hwacho nekushaikwa kwedhora rekuAmerica.

Gurukota rezvemaindustry VaNqobizitha Ndlovu vanoti hurumende ichabatsira vanobika chingwa nemari yekunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWellington Peyama