Dynamos Inoita Rombo Rakanaka Mumakwikwi eCAF Champions League

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Soccer

Sangano reConfederations of African Football (CAF) rapa zvikwata zvitanhatu zvinosanganisira Dynamos mukana wekuti zvikwata izvi zvisatambe mimwe mitambo yekutanga yemakwikwi aya, ayo achatanga muna Kukadzi gore rinouya.

Zvimwe zvikwata zvaita rombo rakanaka iri zvinosanganisira TP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo, Al Hilal yekuSudan, Asec Mimosas yeku Cote D’Ivoire, Heartland yekuNigeria, ne Al Ahly yekuEgypt.

Chikwata cheGunners, icho chakatora mukombe wePremier Super League, chiri kutarisirwa kutamba ne Mafunzo FC yekuZanzibar mumitambo yekutanga yemakwikwi aya. Gunners haina kuita rombo rakanaka seDynamos, iyo isiri kutamba muchikamu chekutanga.

Munyori mukuru weDynamos, Va Stan Kasukuwere, vanoti vari kufara zvikuru nezvaitwa neCAF, uye vari kutarisira kuti chikwata chavo chichasunga dzisimbe mumakwikwi aya.