Murairidzi wechikwata cheDynamos, VaElvis Chiweshe, vanoti vari mushishi yekuyedza kutsvaga vatambi vatsva uye pari zvino vari kutarisira kutenga vatambi vanomwe kuitira kuti gadziriro yemakwikwi eConfederation of African Football (CAF) Champions League egore rino uya, afambe zvakanaka.
Dynamos ne Gunners ndidzo dziri kumirira nyika mumakwikwi aya izvo zviri kupa kuti zvikwata izvi zvitange kugadzirira remangwana.
Murairidzi wechikwata cheDynamos, VaElvis Chiweshe, vanoti vari kufara kuti chikwata chavo chichange chichimirira nyika mumakwikwi enhabvu yemuAfrica.
VaChiweshe vanoti pavatambi vavari kuda kutenga, panosanganisira vatambi vanoti Thabani Kamusoko, Steven Alumenda na Patrick Makuwaza. Asi VaChiweshe vanoti havakwanisi kudoma mamwe mazita evatambi vavari kuda sezvo vachiri kutaurirana nezvikwata zvavanotambira.
Vanotiwo panguva shoma yavatungamira vatambi veDynamos, vakwanisa kushanda zvinovafadza, kunyange hazvo vamwe vanhu vachiona nemumwe mutowo.