Britain Yotangazve Kukweretesa Makambani emuZimbabwe Mari

Mutungamiri wehurumende yeBritain Amai Theresa May

Hurumende yeBritain yatangazve kukweretesa mari kumakambani emuZimbabwe mushure memakore makumi maviri ekusawirirana.

Britain inoti iri kukweretesa vemabhizimisi muZimbabwe mari inoita mamirioni zana emadhora

Standard Chartered Bank nebazi rehurumende yeBritain rinoona nezvemari yekutsigira kubudirira mune dzimwe nyika, reCDC, varimubishi kupepeta mabhizimisi emuZimbabwe anogona kukwereta mari iyi.

Nyanzvi munezvemari nezvehupfumi uye vachishanda nePercycon Global Fund Managers, VaPersistance Gwanyanya, vanoti chinhu chakanaka chaitwa neBritain nekuti nyika inoda rubatsiro rukuru.

VaGwanyanya vanoti chinofanira kutarisiswa ndechokuti mari iyi ishandiswe pane zvekumutsidzira makambani namabhizinisi kwete kutambirisa vanhu kana zvimwe zvisingasimbisi mabhizimisi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPersistence Gwanyanya