VaBiti Vanoshora Bhajeti reHurumende

Tendai Biti

VaBiti vatiwo mari yebhajeti yakataurwa naVaChinamasa yakawandisa, sezvo nyika yagwadama munyaya dzehupfumi.

Mutungamiri we People's Democratic Party (PDP), VaTendai Biti, vabvuma kuti hurumende yemubatanidza yakatadza kuuyisa shanduko yekupedza matambudziko akatarisanwa nawo munyika .

Vachitaura nevatori venhau pamusangano wavaita muHarare wekuongorora bhajeti rakaturwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, nezvingaitwa kusimudzira hupfumi hwenyika, VaBiti vashora zvikuru bhajeti iri vakati chinogona kubudisa Zimbabwe mumatope mairi kuti hurumemde yeZanu PF ibve pachigaro poitwa hurumende inofanotonga, kana kuti National Transitional Authority (NTA).

VaBiti vati hurumende yemubatanidzwa yakatadza kuzadzikisa shanduko dzaidiwa neruzhinji munyika zvinosanganisira kupedzwa kwechikwereti chenyika, kugadzirisa hupfumi pamwe nekuunza runyararo.

VaBiti vati NTA ikapiwa mukana wekutungamirira hurumende ichagadzirisa zvakakundikanwa kuitwa nehurumende yemubatanidzwa.

VaBiti, avo vaive gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, vashoropodza bhajeti raVaChinamasa vakati chikwereti chenyika chinoratidza kuti gurukota rezvemari riri kutadza kubata zvakanaka hupfumi hwenyika.

VaBiti vatiwo mari yebhajeti yakataurwa naVaChinamasa yakawandisa, sezvo nyika yagwadama munyaya dzehupfumi.

Mumwe mutori wenhau muHarare anga ari pamusangano wePDP, John Cassim, ati VaBiti vari kunyatsonzwisisa matambudziko ari munyika huye vari kuratidza kuti vari kuziva zvingaitwe kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Asi panyaya yeNTA, Cassim ati kuti pfungwa dzebato raVaBiti kuti dzitambirwe nezvizvarwa zveZimbabwe, rinofanirwa kunyatsotsanangura kuzvizvarwa zveZimbabwe kuti kana hurumende yemubatanidzwa yakakundikana kugadzirisa matambudzo enyika, NTA inozozvigona sei.

Bato rePDP ratiwo zvimwe zvingaitwe kugadzirisa hupfumi hwenyika kubvisa mari yema bond notes, kugadzirisa nyaya dzevari kuwana mihoro sevashandi vehurumende ivo vasiri, kutengesa mamwe makambani ari pasi pehurumende asina mari yaari kuunza, kumutsurudza nekuvaka mamwe makambani huye zvakare kuona kuti zvicherwa zvenyika zvabatsira nyika yese kwete vanhu vashomanane varikumusoro.