Bazi rezveHutano Rinoti Vacheche, Madzimai Akazvitakura neVakwegura Havasi Kuzobhadhara Kuzvipatara

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru mubazi rezvehutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana Dr Agnes Mahomva vanoti kuwedzerwa kwemari dzezvipatara kwakaitwa kutanga nemusi wa1 Ndira gore rino hakusi kunangana nevarombo vagara vasingabhadhare mari dzezvipatara.

Vatiwo vana vari pasi pemakore mashanu, madzimai akazvitakura uye vakwegura vari pamakore makumi matanhatu nemashanu zvichienda mberi havabhadhariswe sezvagara zvichiitwa.

Amai Mahomva vati vanhu vanenge vaine mainsurance ndivo vanobhadhara mari kana vachinge varapwa kuzvipatara zvehurumende.

Vanoti vaona zvakakodzera kuti vawedzere mari kuti zvipatara zvikwaniseo kutenga zvikwanisiro nekubatsira vanonetseka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Agnes Mahomva