MDC Yoita Musangano neVakuru veSADC kuBotswana

  • Blessing Zulu

VaWelshman Ncube

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC, Muzvinafundo Welshman Ncube, nemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato iri, Muzvare Gladys Hlatywayo, vari kuBotswana uko vari kuita misangano nevatungamiri vesangano reSADC nezvenyaya yemamiriro ezvinhu munyika.

Vaviri ava vasangana nemukuru wesangano reSADC, Doctor Stergomana Tax, vakakurukura pamusoro pezvemamiriro ezvinhu munyika.

Musangano uyu waitika panguva iyo mapurisa emuZimbabwe anga ari mubishi rekurova vatsigiri veMDC avo vanga vari pamuzinda wavo muHarare mapurisa achiti havafanirwe kuimba pamwe nekuungana panze.

Muzvare Hlatywayovanoti vakuru veSADC vanofanirwa kuyziva zviri kuitika muZimbabwe umo vati mava kuita kunge maberekera ingwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Gladys Hlatywayo


Bato iri rinoti kusamira zvakanaka kwenyaya yezvematongerwo ndiko kwapa kuti nyika iende kumawere.

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo nhengo yeZanu PF inomirira Makonde mudare reparamende, uye vari sachigaro yekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza,avo vanoti nyaya yanetsa muZimbabwe inyaya yevanhu vasiri kuda kutambira kukundwa sarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKindness Paradza