Basa reParamende Romira Zanu-PF Ichida Kuti MDC Icherechedze VaMnangagwa

  • Blessing Zulu

VaMnangagwa naVaChamisa

Nhengo dzeZanu-PF dzave kuramba kuti makomiti anotungamirwa nebato reMDC aite basa rawo kusvika racherechedza VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika.

Bato reMDC kubva musarudzo dzegore rapera rakati haricherechedze VaMnangagwa richivapomera mhosva yekubirira sarudzo zvemhando yepamusoro.

Asi veZanu-PF vanoti veMDC vakakundwa sarudzo zviri pachena kunyange hazvo votsvaga uta nemugate.

Komiti yedare reparamende yezvekufambiswa kwemari dzehurumende ina VaTendai Biti sasachigaro wayo, yatadza kusangana zvekare neChishanu kechipiri mumavhiki maviri sezvo nhengo dzeZanu-PF dzatsika madziro dzichiti VaBiti nebato ravo ngavatange vacherechedza VaMnangagwa.

Komiti yaVaBiti yange ichida kubvunzurudza kambani yeFSG nezvekusafambiswa zvakanaka kunonzi kwakaitwa mari yeCommand Agriculture.

Svondo rapera komiti iyi yaidawo kubvunzurudza Sakunda Holdings asi veZanu-PF vakatsika madziro.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaPupurai Togarepi, vanoti zvakakosha kuti VaBiti nevamwe vavo vacherechedze VaMnangagwa semutungamiri wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPupurai Togarepi


Aso munyori anoona nezvemutemo muMDC, VaInnocent Gonese, vanoti havasi kuzobatirwa demo kuti vacherechedze VaMnangagwa vachiti paramende haisi pasi pehurumende sezvo yakazvimirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaInnocent Gonese