Anne Nhira Oradzikwa kuChitungwiza

  • Blessing Zulu

Ann Nhira Memorial

Mutambi aive nemukurumbira zvikuru munyika Anne Nhira uyo akapondwa nevanhu vasati vazivikanwa apo ainamata musi wa11 Kurume kuJohannesburg, South Africa akaradzikwa nemusi weSvondo kuZororo Memorial Park kuChitungwiza.

Kumarinda uku ndiko kwakaradzikwa amai vake makore maviri adarika. Anne, aizivikanwa nekuti Vimbai paStudio 263 mutambo waibuda paZBC, akaberekwa muna 1982.

Mumwe akataura pakuradzikwa kwake, ihanzvadzi yake Paul Nhira akati anoda kuti mabasa aAnne ekusimudzira vamwe munyaya dzezvemitambo aenderere mberi seshuviro yake.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aJohn Nhira

Vachitaura pakuradzikwa kwake, mufundisi Garikai Chiriga weSeventh Day Adventist vakati Anne aive munhu aikwanisa kubatanidza vanhu uye akapondwa akapfugama achinamata.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aMufundisi Garikai Chiriga

Mudzimai wemutungamiri wenyika amai Auxillia Mnangagwa vakabatanawo nezvizvazvarwa zvenyika zvakawanda kusanganisira veNational Arts Council, vaimbi nevanoita zvemitambo kuradzika Muzvare Nhira.