Nyanzvi Dzorumbidza Rwendo rwaVaPompeo kuAfrica

Ethiopia US Pompeo

Gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vanga vari mu Ethiopia nemusi weChipiri mushure mekushanyira Senegal neAngola, murwendo rwavo rwekurudzira nyika dzemu Africa, kuti dzisimbise hukama hwadzo neAmerica.

Urwu rwendo rwaVaPompeo rwekutanga kuAfrica, uye vachange vari muRiyadh kuSaudi Arabia nemusi weChitatu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachidzidzisa paDeVry University ku Ohio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kudyidzana neAmerica kunobatsira nyika dzemuAfrica kupfuura kudyidzana kwadzo neChina.

VaMasocha vanoti nyika dzemuAfrica dzinofanirwa kutora mukana uyu kuti dziumbe hukama hwakanaka neAmerica sezvo nyika iyi ichaikwanisa kubatsira mukusimudzira hupfumi hweAfrica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukurio naVaElliot Masocha