Amnesty International Yosimbaradza Kodzero dzeVavhoti Musarudzo

MDC Alliance ZEC March 3

Sangano reAmnesty International raparura gwaro rezvekodzero dzevanhu rarinoda kuti ritevedzwe nemapato ezvematongerwo enyika kuitira kuti nyika iite sarudzo dzakachena pamwe nekuti munyika muve netsika yekuremekedza kodzero dzevanhu.

Chipangamazano chikuru muAmnesty International kudunhu reSouthern Africa, VaLlyod Kuvheya, vanoti zvinhu izvi zvinosanganisira kunyangaritswa kwevanhu, kuremekedza kodzero dzevanhukadzi nevanasikana nezvimwe, zvikaitwa nyika inoita sarudzo dzakachena.

Zvimwewo zvinodiwa neAmnesty International kuti mapato, hurumende nevari kukwikwidza vaiite kuti mapurisa nemauto vamirire kushungurudza vanhu, kumira kubvisa vanhu nechisimba kubva munzvimbo dzavanogara, kupa vanhu mukana wekutaura zvavanoda pamwe nekuremekedza kodzero dzevatori venhau. Vatiwo nyika inofanirwa kutevedza zviga zvese zvekucherechedza kodzero dzevanhu zvakaita seAfrican Charter on Human and People’s Rights.

Munyori muZimbabwe Human Rights Commission, Doctor Makanatsa Makonese, vati gwaro raparurwa nhasi rakakosha chose sezvo pasina chinofamba munyika kana pasingaremekedzwi kodzeo dzevanhu.

Vati zvakakosha kuti vese vemapato ezvematongerwo enyika vaise kodzero dzevanhu pamberi apo vanenge vachitsvaga rutsigiro kubva kubva kuvanhu.

Sachigaro veZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena kuti nyika ifambire mberi.

Vakuvheya vati gwaro iri richapihwa kumapato ese ari kupinda musarudzo, mapurisa, masoja nevese vane chekuita nesarudzo sezvo vachida kuti nyika iite sarudzo dzakasiyana nesarudzo dzakadarika idzo dzaiita mutauro nekuda kwekupondwa, kurohwa nekutyorwa kwekodzeo dzevanhu.

Zimbabwe ichaita sarudzo kupera kwemwedzi uno uye vemasangano anoshanda akazvimirira vanoti mamirira akaita zvinhu pari zvino zvinoratidza sekuti sarudzo idzi dzichange dziri nani panyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya