Dunhu reTexas Robatana neMamwe Matunhu Akarasa Zvivharangozi, Kana Kuti maFace Mask

  • Jonga Kandemiiri

Dunhu reTexas rakamboita dambudziko nechirwere cheCovid-19 izvo zvakazoita kuti ridzike mutemo wekumanikidza vanhu kupfeka ma face mask.

Dunhu reTexas muAmerica musi wa 10 Kurume riri kubatana nemamwe matunhu gumi nemashanu akabvisa mutemo unomanikidza vanhu kupfeka zvivharangozi, kana kuti ma face mask, danho rinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zvichaisa hupenyu hwevanhu munjodzi.

Izvi zviri kuuya panguva iyo mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vakadzika mutemo unorambidza munhu kupinda muzvivakwa zvehurumende asina kupfeka chinovhara mhino nemuromo senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19.

Gavhuna veTexas, VaGreg Abbott, vakazivisa neChipiri kuti musi wa10 mwedzi uno vachange vachidzika mutemo mutsva uchabvisa zvanga zvichisungirwa kuti vanhu vaite munguva ino yeCovid-19 mudunhu rose.

Kubva musi wa01 Kukadzi, matunhu anosanganisira Alaska, Arizona, Florida, Mississippi, North Dakota, South Carolina neTennessee akabvisawo mutemo uyu.

Nyanzvi mune zvehutano vari chiremba Dr. Simbiso Ranga, vanoti vanoona sekunge danho riri kutorwa neTexas pamwe nemamwe matunhu ose aya rekurasa zvivharangozi risina huchenjeri.

Dr. Ranga vanoti izvi zvinodzserawo shure mabasa ari kuitwa nemutungamiri wenyika VaBiden ekurwisana neCovid-19 nekuda kwekuti chirwere ichi hachizivi miganho yematunhu akarasa zvivharangozi neasina, chinongopinda pose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr. Simbiso Ranga