Zvizvarwa zveAmerica Zvosarudza Mutungamiri weNyika weChimakumi Mana neNhanhatu

  • Jonga Kandemiiri
    Blessing Zulu

VaJoe Biden vebato reDemocratic Party nemutungamiri wenyika VaDonald Trump, vari kumirira Republican Party musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Zvizvarwa zveAmerica zviri kupinda musarudzo yekutsvaga mutungamiri wenyika wechimakumi mana nenhanhatu, kana kuti 46th President, musarudzo dziri kukwikwidzanwa zvakasimba pakati pemutungamiri wenyika, vachimirira Republican Party, VaDonald Trump, nevavari kukwikwidzana navo vachimirira bato reDemocratic Party, VaJoe Biden.

Pazuva ravo rekupedzisira kutsvaga rutsigiro vachiedza kukwezva vavhoti kuti vavape mumwe mukana wekuti vatungamire zvakare America kwemamwe makore mana, VaTrump neMuvhuro vakapika kuti kuchikamu chavo chepiri semutungamiri wenyika, vachagadzirisa nekuchenesa nyika zvichachengetedza chiroto chenyika yavo.

Vachitaura neMuvhuro vari kuNorth Carolina, VaTrump vakasimbisa kuti hupfumi hwenyika huchamuka kunyange hazvo paine dambudziko re Coronavirus, vachivimbisa kuti vachagovera nhomba yekudzivirira denda iri kuvanhu vose.

VaTrump, avo vakashanyira matunhu mashanu, vakaudza musangano uyu kuti kana vavari kupikisana navo VaJoe Biden veDemocratic Party vakasarudzwa, vachaita kuti America iite sejeri kuburikidza nekudzika mitemo inorambidza vanhu kufambafamba senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus.

VaBiden, avo vaivewo kuCleveland, mudunhu reOhio, vakatiwo danho rekutanga rekukurira hutachiwana hwe coronavirus kukunda VaDonald Trump.

VaBiden vakapedza Muvhuro vari mumatunhu akaganhurana eOhio nePennsylvania.

Vachitaura pamusoro paVaTrump vari kuCleveland, vakati vapedza nekusagadzikana, mashoko epadandemutande pamwe nekutsamwa zvavakati zvinobva kunaVaTrump. Vakati hunhu hweAmerica huri pasarudzo.

Zviri kubuda pamberi pesarudzo zvinoratidza kuti vaive mutewedzeri wemutungamiri wenyika VaBiden, vari kutungamira nezvibodzwa zvisere, asi rwendo rwuno mujaho uyu uri kuratidza kuti wakasimba mumatunhu anonetsa ayo achanongedza kuti ndiyano achakunda.

Asi sezvo muAmerica munhu achikunda musarudzo nezvibodzwa zvaanowana kubva mudunhu roga roga kana kuti electoral college, varume vaviri ava vange vari mumatunhu akakosha akaita seOhio, Wisconsin, Georgia, North Carolina, Michigan nekuPennsylvania.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuPennsylvania, VaNicholas Mada vanoti sarudzo dzegore rino dzine makwikwi akasimba uye vaviri ava vari kuendera pedyo nepedyo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNicholas Mada

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe uye vari mudzidzisi kudunhu reWest Virginia, VaJonah Masiya, vanoti iri izuva guru chaizvo muAmerica, asi vanoti munhoroondo yeAmerica kashoma kuti mutugamiri anenge ari pachigaro akundikane kudzoka kepiri, vachiti izvi zvakaitika kuvatungamiri gumi chete panhoroondoyeAmerica kubva muna 1789.

Asi vanoti vavoona sekunge VaBiden vangangoita mukana kudarika VaTrump, kunyange hazvokunyange hazvo sarudzo iyi yakasimba chose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJonah Masiya