Mutungamiri weAmerica, VaTrump, Vanochenurwa neZvakabuda muGwaro raVaMueller paNyaya yeRussia

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanoti vakachenurwa pamhosva yavaipomerwa yekuti vakabatsirwa neRussia kuti vakunde musarudzo dzemuna 2016.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vanonzi vari kupembera nezvakaburitswa mugwaro reongororo yakaitwa nevakasarudzwa kuti vaferefete kana paive nekudyidzana pakati pechikwata chaivatsvagira rutsigiro nenyika yeRussia munguva yesarudzo dza 2016.

Vaitungamira kuferefetwa uku, VaRobert Mueller, vanonzi vakaburitsa gwaro reongororo yavo svondo rapera, uye gweta guru renyika, VaWilliam Barr, vakazoburitsawo chidimbu cheongororo iyi nemusi weSvondo, icho chinotaura kuti mutungamiri wenyika haana mhosva yaari kupomerwa.

Izvi zvinonzi zviri kutambirwa nemufaro naVaTrump pamwe nebato ravo reRepublican Party.

Asi vebato rinopikisa re Democratic party, vanonzi vari kuda kuziva kuti VaBarr vakasvika sei pakusarudza zvikamu zveongororo iyi zvavakaburitsa, uye kuti vanodawo kuti zvose zviri mugwaro raVa Mueller zviburitswe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, Doctor Wangu Mazodze, vanoti vanoonawo sekuti ongororo iyi yakaburitsa kuti Russia haina chikamu chayakaita kana kupindira musarudzo dzemuAmerica.

asi Doctor Mazodze vanoti panyaya yekuti VaTrump vakapindira here muongororo iyi, VaMueller havana kubuda pachena, izvo zvinoita kuti vanhu vasave nevimbo nehutungamiri hwavaTrump.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Wangu Mazodze