Nyika yeAmerica nhasi iri kuita sarudzo dzakakosha dzedare repamusoro reSenate nedare repasi reHouse of Representative.
Mutungamiri wenyika VaDonald Trump vari kutsvaga rutsigiro mumatunhu akasiyana siyana kuti bato ravo remaRepublicans rirambe riine nhengo dzakawanda mumatare maviri aya.
APTOPIX Election 2018 Senate Indiana Obama
Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama vari kutsvagirawo bato ravo remaDemocrats rutsigiro. Vamwe vanhu vakawanda vakatovhota vachitumira mavhoti avo veposvo kana kuti “Postal Voting”.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviripowo pavanhu vari kuongorora sarudzo idzi. Vari kuongorora sarudzo idzi vanoti maRepublicans anokwanisa kukunda musarudzo dzeSenate maDemocrats achikunda musarudzo dzeHouse of Representatives.
Munyori weNorth Carolina Amai Elaine Marshal naVaSolomon Bismarck Bobosibunu
VaSolomon Bismarck Bobobosibunu avo vari kuongororawo sarudzo idzi vanoti Zimbabwe ine zvakawanda zvekudzidza kubva kuAmwerica munyaya dzekuita sarudzo zviri pachena.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu