WASHINGTON —
Senator Chris Coons vebato remaDemocrats vachimiririra Delaware muAmerica vanoti kana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazadzikisa chivimbiso chavo chekuita sarudzo dzakachena ivo nevamwe vebato riri kutonga remaRepublicans vachashanda zvakasimba kuona kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende zvabviswa.
VaCoons vakashanya kuZimbabwe mavhiki apera asi vanoti kunyangwe hurumende yakavimbisa kuvandudza zvinhu kuti paitwe sarudzo dzakachena, zviri pachena kuti hurumende yave kudya manonoko uye sarudzo dzave kuswedera.
Mapato anopikisa uye masangano akazvimirira anoti pane zvakawanda zvinoda kuvandudzwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Mashoko aVaChris Coons