George Floyd Achavigwa Mangwana, Chipiri, muHouston, kuTexas

Murume wechitema akaurawa nemapurisa echichena, VaGeorge Floyd, vacharadzikwa mangwana muguta reHouston, mudunhu reTexas.

Kubva zvaurayiwa VaFloyd masvondo maviri apfuura, huwandu hwevanhu vari kuratidzira zuva nezuva huri kuramba huchiwanda mumaguta mazhinji emuAmerica.

Mhirizhonga dzakamboonekwa mazuva akatanga kuratidzira uku hadzisisipo asi vanhu vari kuramba vachipinda mumigwagwa vachinyunyuta nekuudza vakuru vehurumende kuti vanoda kuti mitemo ivandudzwe zvikuru pamashandiro emapurisa ayo ari kupomerwa mhosva yekuita zverusaruraganda.

Kuratidzira uku kuri kuitwavo mune mamwe maguta mazhinji edzimwe nyika pasi pose.

Meya veguta reWashington D.C. Amai Muriel Bowser, vakachinja zita remugwagwa unonanga pamuzinda weWhite House vakati wave kunzi ‘Black Lives Matter’ vachiti vanoda kuti mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vagare vachirangarira kuti hupenyu hwevanhu vatema hunokosha.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTafadzwa Munjanja, vanoti chikonzero chapa kuti rufu rwaVaFloyd rwubata vanhu zvakanyanya inyaya yekuti vakawanda vakaona vhidhiyo yake achifira mumaoko emapurisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Munjanja