VaTillerson Vanoshanyira Africa, Vachitanga neEthiopia

  • Blessing Zulu

U.S. Secretary of State Rex Tillerson (L) is greeted by Ethiopia Minister of Foreign Affairs, Workneh Gebeyehu (R), and other officials, as he arrives to begin a six-day trip in Africa, after landing at Addis Ababa International Airport, March 7, 2018 in

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaRex Tillerson, vakasvika mu Africa nemusi weChipiri murwendo rwavo rwekushanyira nyika shanu dzinoti Ethiopia, Kenya, Djibouti, Chad ne Nigeria.

Murwendo rwavo rwekutanga kuAfrica, vachitangira muEthiopia, VaTillerson vari kusimbaradza nyaya dzekutengeserana, kurwisa vanopfurikidza mwero uye kukurudzira hutongo hwejekerere mu Africa.

Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reElizabeth Glaser Pediateric AIDS Foundation, Doctor Rhoderick Machekano, vanoti rwendo rwaVaTillerson rwunoratidza kuti America ine zvinhu zvairi kuda muAfrica, zvikuru munyaya dzezviwanikwa nezvimwewo

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRhoderick Machekano