America yakapinda musarudzo dzepakati petemu yehurumende neChipiri idzo dzakaona bato reDemocratic Party richikunda reRepublican Party zvine mutsindo musarudzo dzedare reparamende repasi kana kuti reHouse of Representatives, asi reRepublican Party richiramba rakabata hutungamiri mudare reseneti.
Sarudzo idzi dzakaonawo madzimai akawanda achipinda mudare reparamende, pamwechetewo nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvave zvizvarwa zveAmerica.
Verudzi rwekutanga kugara muAmerica kana kuti ma native Americans pamwe nengochani vakasarudzwawo kekutanga kuve nhengo dzeparamende pamwe nekutora zvimwe zvigaro.
Mudzimai wekuSomalia ave chizvarwa cheAmerica, Ilhar Omar naRashida Tlaib vakavewo madzimai ekutanga echitendero chechi Moslem kusarudzwa kupinda muparamende.
Zvigaro zvose mazana mana nemakumi matatu nezvishanu zvevamiriri veparamende pamwe nezvigaro makumi matatu nezvipfumbamwe zvenhengo dzeseneti zvakakwikwidzwa, kusanganisirawo zvimwe zvigaro zvehutungamiri hwematunhu pamwe nemagavhuna.
Sarudzo idzi dzakaitwa pakati petemu yemutungamiri wenyika vari vebato reRepublican Party, VaDonald Trump, avo vakakunda Amai Hillary Clinton vaimirira bato reDemocratic Party musarudzo dzemuna 2016, idzo dzakave nemutauro mukuru Russia ichipomerwa mhosva yekupindira kuti zvakabuda zvisusukidze VaTrump pachigaro, chipomerwa chiri kurambwa naVaTrump.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvave zvizvarwa zveAmerica, kusanganisira Mufundisi Isaac Mwase, avo vari mudunhu reMaryland vari nhengo yebhodhi resangano reAfrican Immigrant Caucus zvakavhotawo musarudzo idzi.
Mufundisi Mwase vanoti vakafadzwa zvikuru nezvakabuda musarudzo idzi sezvo zvimwe zvezvirwa zveAmerica zvine midzi yazvo kuAfrica zvakakwikwidza zvakabudirira kuwana zvigaro.
"Zvandifadza zvikuru nekuti pakati pevakakwikwidza paivewo nezvizvarwa zvekuAfrica zvakabudirira, zviri kuita kuti tipembere chose."
Mufundisi Mwase vanotiwo sangano ravo reAfrican Immigrant Caucus riri kuita zvakawanda mukukurudzira zvizvarwa zvemuAmerica zvakabva kuAfrica kuti zvipinde musarudzo dzinoitwa mumatunhu azvigere, vachiti izvi zvinozobatsirawo Africa sezvo vanhu ava vachizopawo ruzivo rwavanenge vawana kuno kuhama dzavo dzekuAfrica.
"Sarudzo dzakaitwa murunyararo pasina kupondana, pasina kurwisana, kurwisana kuri kwemazwi. Chinhu chinofanirwa kudzidzwawo nepasi rose," Mufundisi Mwase vanodaro.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMufundisi Isaac Mwase